Isaiah 26

Rwiyo rwoKurumbidza

1Pazuva iro rwiyo urwu ruchaimbwa munyika yaJudha:

Tine guta rakasimba;
Mwari anoita kuti ruponeso
ruve masvingo nenhare dzaro.
2Zarurai masuo kuti rudzi
rwakarurama rupinde,
rudzi runochengeta kutenda.
3Muchachengeta murugare
rwakakwana munhu ane mufungo wakasimba,
nokuti anovimba nemi.
4Vimba naJehovha nokusingaperi,
nokuti Jehovha, iye Jehovha ndiye Dombo rokusingaperi.
5Anoderedza avo vagere pakakwirira,
anodzikisa pasi guta rapamusoro;
anorideredza kusvikira pavhu
uye anorikanda muguruva.
6Tsoka dzicharitsikirira pasi,
tsoka dzavakamanikidzwa,
idzo tsoka dzavarombo.

7Nzira yavakarurama yakati chechetere;
imi Akarurama, munoita kuti nzira yavakarurama iti chechetere.
8Hongu, Jehovha tichifamba munzira yomurayiro wenyu,
tinokumirirai;
zita renyu nemukurumbira
wenyu ndizvo chishuwo chemwoyo yedu.
9Mwoyo wangu unokushuvai pausiku;
mangwanani, mweya wangu unokupangai.
Kutonga kwenyu pakunouya panyika,
vanhu vanogara panyika vanodzidza zvokururama.
10Kunyange nyasha dzichiratidzwa kuna vakaipa, ivo havadzidzi kururama;
kunyange munyika yokururama,
vanongoramba vachiita zvakaipa,
uye havana hanya noukuru hwaJehovha.
11Haiwa Jehovha, ruoko rwenyu rwakasimudzirwa kumusoro,
asi havaruoni.
Ngavaone kushingaira kwenyu pamusoro pavanhu venyu vagonyadziswa;
moto wakachengeterwa vavengi venyu ngauvaparadze.

12Jehovha, imi munotigadzirira rugare;
zvose zvatakakwanisa ndimi makatiitira.
13Haiwa Jehovha Mwari wedu, mamwe madzishe kunze kwenyu akatitonga,
asi zita renyu ndiro ratinokudza chete.
14Ivo vakafa zvino, havachararamizve;
mweya yavakafa haimuki.
Makavaranga mukavaparadza;
makabvisa chirangaridzo chavo.
15Makakurisa rudzi, imi Jehovha;
makakurisa rudzi.
Makazviwanira mukurumbira;
mukakurisa miganhu yose yenyika.

16Jehovha, vakauya kwamuri mumatambudziko avo;
pamakavarova,
havana kugona kuzevezera munyengetero.
17Sezvinoita mukadzi ane mimba oda kusununguka,
anomonyoroka mukurwadziwa kwake, agochema kwazvo,
ndizvo zvatakanga takaita pamberi penyu, imi Jehovha.
18Takanga tine mimba, tichimonyoroka mukurwadziwa,
asi takabereka mhepo.
Hatina kuvigira nyika ruponeso;
hatina chatakaberekera vanhu venyika.

19Asi vakafa venyu vachararama;
miviri yavo ichamuka.
Imi mugere muguruva,
mukai mupembere.
Dova renyu rakaita sedova ramangwanani;
nyika ichabudisa vakafa vayo.

20Chiendai, vanhu vangu,
pindai mumakamuri enyu,
mugopfiga mikova shure kwenyu;
muvande kwechinguva kusvikira kutsamwa kwake kwapfuura.
21Tarirai, Jehovha ari kubuda muugaro hwake,
kuti arange vanhu venyika nokuda kwezvivi zvavo.
Nyika ichafukura ropa rakateurwa pamusoro payo;
haichazovanzizve vakaurayiwa vayo.
Copyright information for SnaBDSC